Description
Munyika yeMandodyachipi, muguta reMaoresa muri mumusha weRupiza mvura haibudi mupombi. Vanhu vanoita yekumukira pachibhorani cheruzhinji kuti vachere. Nhubu dzinonzi Zeki naMapfunde dzinonyepera vanhu kuti chibhorani chafa nechinangwa chekuvabhadharisa mari yekuchigadzirisa asi ivo vachipfonyera mari yacho muhombodo. Vaviri ava vanobatana na Mutape naMadhende kuvamba bato rematongerwe enyika reRugare. Bva, bato ravo rine chinangwa chei? Doravira unzwire zviri mumudyandakasungwa wembaravara iyi. Apa mwana waWhiti Tabeni Badza akaruka mutambo uyu zvine unyanzvi semuruki wemambure
MHANDO YEBHUKU
Mutambo[play]




Reviews
There are no reviews yet.