Availability: In Stock

Kugona Varoyi

Original price was: $6,00.Current price is: $5,00.

Muraini raMugadzi munoita zvishwaturo zvevaroyi zvinoti VaChin’ai, VaDhumukwa, VaMbukuro naVaNdarumabwe. Vatakati ava vanoda kuuraya VaHon’o mudzimai waVaHwiti nepamusana pekuti murume wavo ane guhu rekurima. Asizve, gona ana gona wake. Sabhuku mugadzi anoti varume nevakadzi vemumusha make vaende kugumbwa kuChiira kuZaka nechinangwa chokuti varoyi vacho vandobatwa vagobudiswa pachena vanhu veruzhinji vachizvionera nekuzvinzwira. Vanonanga pana Bvanyangu, godobori rinoona zvisina mukare akamboona. Ko, n’anga ichakwanisa here kuyanika pamhene varoyi ava? Rungano urwu mudyandakasungwa chaiwo. Rwakanyorwa nerurimi rwaamai rwunozipa zvokuti heki. Munhu akatanga kurava bhuku iri haarikandi pasi. Rine zviitiko zvinokatyamadza, zvinotyisa, zvinosetsa uye zvinosiririsa.

MHANDO YEBHUKU

Bhuku iri inganbonyorwa[novel] inotaridza upenyu hwechinyakare. Munyori akasanganisa zvimwe zviitiko zvakaitika munharaunda maakurira uyewo zvimwe zvaainzwa zvakaitika kune dzimwe nzvimbo.

 

 

Category:
Report Abuse

Reviews

There are no reviews yet.

Be the first to review “Kugona Varoyi”

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Product Enquiry