Description
Vanhu vazhinji vane kariro yekupinda nekuwanawo mugove wekudenga mushure mekutama pano panyika. Bva, zvinogoneka here here nepamusana pezvavanopfunga nehunhu hwavo? Mumutambo uyu Lazarus Kebude murume wechidiki akadzidza anoita basa rokutengesa zvipfeko mumigwagwa yeMasvingo nepamusana pekushaya basa raakadzidzira chairo. Anohwapurirwa mudzimai wake Choice naMufundisi Gachakacha wekereke yake yeHome Sweet Home International Minisitiries. Mufundisi anoba mari yekereke achiedza kufadza ‘mudiwa’ mutsva uyu. Asi Mufaro wavo unosvikepi? Zvinotevera, zvimwe zvinosetsa uye zvinosvodesa zvichitaridza kuti chokwadi vanhu havakodzeri kuenda kudenga. Kupinda denga inyasha dzaMwari.
MHANDO YEBHUKU
Uyu mutambo[play]




Reviews
There are no reviews yet.