Description
Urwu rungano rwakaitika pakati pevanhu nemakudo anogara mugomo rinonzi Chitakai, pachiro cheHodzvororo. Kubvira makare kare mabwe achiri nhuku, vanhu nemakudo zvipuka zvisingakwanisi kugarisana zvakanaka. Heruno rungano runobudisa pachena hondo iri pakati pevanhu vachitungamirirwa naVaMutogwamba uyewo makudo achitungamirirwa nenhungamiri dzawo. Ko, sei makudo achirwisa vanhu? Ko, sei vanhu vachirwisa zvipuka izvi uye vanoshandisa nzira dzipi? Chokwadi muyera Shumba uyu akashura mare paakaruka dapurahunanzva iri rinoyanika pachena kuti muhondo yoga mune chikara chinoitira zvimwe zvipuka zvaMwari utsinye hunoshamisa nekusiririsa.
MHANDO YEBHUKU
Bhuku iri ingano.





Reviews
There are no reviews yet.