Description
Bhunu Iri rinodengedzera zvinotevera
-Rinoita kuti vadzidzi vadzidze vachinakirwa uye kunakirwa no kudzidza.
-Rinopa vadzidzi ruzivo rwakadzama pamusoro petsika namagariro nezvitendero zvaVaShona.
-Rinodzidzisa vana kushandisa misambo yokutaura yakasiyana – siyana pakakodzera
-Rinobatsira vadzidzi kuti vagone kupa dudziro yemanzwi anoreva zvakawanda.
-Rinopa vadzidzi unyanzvi hwekunyora no kurondedzera nokuteerera nganonyorwa zvichizoumba hwaro hwevanyori vamangwana.
– Rinoisa vana pakati pezvidzidzo kubudikidza nokuvapa mibvunzo.
– Rinodzidzisa vadzidzi kugona kupa dudziro dzemadimikira nechibhende.
– Rinodzidzisa vadzidzi kugona kududza manzwi zvakanaka kunyanya aya anoda kuti munhu akwidze kana kuderedza nzwi.
– Rinodzidzisa vadzidzi unhu netsika dzaVaShona.



