Maungira EZimbabwe
Original price was: $6,00.$5,00Current price is: $5,00.
Maungira eZimbabwe mutinhimira wekudandira kwemazwi eashauri. Nhasi Zimbabwe izere namaungira anonzwika kumativi mana ayo ose. Kutekenywa kune unyanzvi kwezviridzwa, kushaurwa kwenziyo, kuridzirana huwi, kuungudza, zvikwe-e, miridzo, mhururu, manja, tyava, mahon’era, nekukokerana humwe nemitambo, zvese izvi zvinonwikwa maungira azvo achibva mumakomo nemune dzimwe nzvimbo dzakakwirira munzanga dzatigere. Iwaya maungira atinonzwa munzanga dzeZimbabwe ndiwo ari kubuda nomugwaro rino radai kuunganirwa nevanyori avo varunza kubva kumativi mana enyika kuzoita maonerapamwe chuma chomuzukuru vachiyanika pachena zvinoitika munzanga dzeZimbabwe kuburikidza nenduri. Teyai nzeve dzenyu kuMaungira eZimbabwe muzvinzwire zviri kuitika mumatunhu enyika yeZimbabwe.



